Luke 3

Johwani Mubhabhatidzi anoparidza rubhabhatidzo rwekutendeuka

1Zvino negore regumi nemashanu rekutonga kwaTibherio Kesari, Pondiyo Pirato ari mutungamiriri weJudhiya, Herodhe ari umwe wevatongi vana weGarirea, Firipi munin'ina wake ari umwe wevatongi vana weIturea nedunhu reTrakoniti, Risanio ari umwe wevatongi vana weAbhirene, 2Anasi naKayafasi vari vapristi vakuru, shoko raMwari rakasvika kuna Johwani mwanakomana waZakaria murenje. 3Akasvika munyika yese yakapoteredza yaJoridhani, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeuka kuve kukanganwirwa kwezvivi; 4sezvazvakanyorwa mubhuku remashoko aIsaya muporofita zvichinzi: Inzwi reanodana murenje richiti: Gadzirai nzira yaIshe; ruramisai migwagwa yake. 5Mupata wese uchafusirwa, negomo rega-rega nechikomo zvichaderedzwa; zvakakombama zvicharuramiswa, uye makwiringwindi ave nzira dzakaenzana; 6uye nyama yese ichaona ruponeso rwaMwari.

7Naizvozvo wakati kuzvaunga zvaibudira kuzobhabhatidzwa naye: Imwi zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakutaridzirai kutiza hasha dzinouya? 8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka; uye musatanga kuti mukati menyu: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anogona kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahama vana. 9Ikozvino sanhuwo ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti umwe neumwe usingabereki chibereko chakanaka unotemerwa pasi, ugokandirwa mumoto.

10Zvaunga zvikamubvunza, zvichiti: Zvino tichaitei? 11Akapindura akati kwavari: Ane nguvo refu mbiri, ngaagovane neasina; neane kudya ngaaite saizvozvo. 12Zvino kwakauyawo vateresi kuzobhabhatidzwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, tichaitei? 13Akati kwavari: Musateresa kupfuura pamakatemerwa napo. 14Nemautowo akamubvunza, achiti: Ko isu tichaitei? Akati kwaari: Musatyityidzira munhu kana kupomera nhema; uye mugutsikane nemibairo yenyu.

15Zvino vanhu vakati vachatarisira, vese vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohwani, kuti zvimwe iye angava Kristu, 16Johwani akapindura kune vese achiti: Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura; asi ane simba kupfuura ini anouya, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto; 17werusero rwake rwuri muruoko rwake; achachenesa kwazvo buriro rake; uye achaunganidza zviyo mudura rake, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki.

18Naizvozvo achikurudzira nezvimwe zvinhu zvizhinji, akaparidzira vanhu evhangeri. 19Asi Herodhe umwe wevatongi vana, wakati atsiurwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi waFiripi munin'ina wake, nezvakaipa zvese Herodhe zvaakange aita, 20wakawedzerazve ichi pamusoro pazvo zvese, kuti wakapfigira Johwani mutirongo.

Kubhabhatidzwa kwaJesu

21Zvino zvakaitika kuti vanhu vese vabhabhatidzwa, Jesuwo abhabhatidzwa, achinyengetera, denga rakazarurwa. 22Mweya Mutsvene ndokuburukira pamusoro pake nechimiro chemuviri sewenjiva, inzwi ndokubva kudenga, richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, ndinofara mauri kwazvo.

Rudzi rwaJesu Kristu

23Zvino iye Jesu wakange achitanga kuva nemakore anenge makumi matatu, ari (sezvaifungidzirwa) mwanakomana waJosefa, waHeri, 24waMatati, waRevhi, waMeriki, waJanai, waJosefa, 25waMatatiasi, waAmosi, waNaumi, waEsiri, waNagai, 26waMaati, waMatatiasi, waSimeyi, waJosefa, waJudha, 27waJohwana, waResa, waZerubhabheri, waSaratieri, waNeri, 28waMeriki, waAdhi, waKosamu, waErimodhamu, waEri, 29waJose, waEriezeri, waJorimu, waMatati, waRevhi, 30waSimioni, waJudha, waJosefa, waJonanu, waEriakimu, 31waMerea, waMenani, waMatata, waNatani, waDhavhidhi, 32waJese, waObhedhi, waBhowazi, waSarimoni, waNaashoni, 33waAminadhabhi, waAramu, waEsiromi, waFaresi, waJudha, 34waJakobho, waIsaka, waAbhurahama, waTera, waNahori, 35waSerugi, waRagau, waFareki, waEberi, waSara, 36waKainani, waArifakisadhi, waSemu, waNowa, waRameki, 37waMatusara, waEnoki, waJaredhi, waMarereeri, waKainani, 38waEnosi, waSeti, waAdhamu, waMwari.

Copyright information for Shona